Mapisarema 1

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi.

Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.

Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama.

Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0