Mapisarema 87

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera

“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”

Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera

Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0