Mapisarema 114

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,

Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake.

Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure;

makomo akakwakuka samakondobwe, zvikomo samakwayana.

Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,

imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe, nemi zvikomo, samakwayana?

Dedera, iwe nyika pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho,

akashandura dombo rikava dziva, dombo rakaoma rikava matsime emvura.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0