Mapisarema 63

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.

2Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.

3Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.

4Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.

5Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.

6Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.

7Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.

8Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.

10Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.

11Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0