Mapisarema 12

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu.

Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza

ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.

Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0