Mapisarema 20

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0