Mapisarema 50

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.

3Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

5“Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”

6Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera

7“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.

11Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

12Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?

14“Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

16Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.

19Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

22“Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:

23Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0