Mapisarema 84
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose!
2Mweya wangu unopanga, uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
3Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.
4Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera
5Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.
6Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.
7Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.
8Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera
9Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.
10Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
11Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.
12Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0