Mapisarema 123

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga.

Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni.

Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.

Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0