Mapisarema 144
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
2Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
3Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
4Munhu akafanana nomweya wokufema; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
5Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
6Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
7Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa
8vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.
9Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
10iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.
11Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.
12Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.
13Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;
14nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazova nokuputswa kwamasvingo, hapachazova nokuenda kuutapwa, hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.
15Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0