Mapisarema 58

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

2Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.

3Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

4Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.

9Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

10Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

11Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0