Mapisarema 39

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”

2Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

3Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

4“Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

8Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.

9Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.

10Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

11Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera

12“Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0