Mapisarema 28

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.

Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0