Mapisarema 130

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndinodanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;

2haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4Asi kwamuri kune kukanganwira; naizvozvo imi munotyiwa.

5Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

6Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.

7Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.

8Iye pachake achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0