Mapisarema 51
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.
2Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.
3Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
4Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
5Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.
6Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.
7Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
8Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare.
9Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
10Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
11Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
12Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
14Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.
15Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.
16Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.
17Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.
18Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema.
19Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0