Mapisarema 121

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.

Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;

zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.

Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;

zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.

Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;

Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0