Mapisarema 88

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.

5Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.

7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera

8Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;

9meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.

10Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera

11Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?

15Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.

18Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0