Mapisarema 140
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.
2Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose.
3Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera
4Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu.
5Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera
6Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
7Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
8regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
9Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
10Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
11Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.
12Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
13Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0