Mapisarema 98

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.

Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.

Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;

imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba,

nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo.

Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;

ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0