Mapisarema 116

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

2Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

3Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa.

4Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”

5Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.

6Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.

7Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

8Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,

9kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.

10Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”

11Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”

12Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

13Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.

14Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.

15Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.

16Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu.

17Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha.

18Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose,

19pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0