Mapisarema 55
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;
2ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,
3pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.
4Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.
5Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.
6Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,
7ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera
8ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”
9Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.
10Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.
11Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.
12Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu.
13Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,
14yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.
15Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo.
16Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.
17Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.
18Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.
19Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.
20Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.
21Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.
22Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
23Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0