Mapisarema 44

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.

2Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.

5Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;

7asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.

8Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

9Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.

10Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

20Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

26Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0