Mapisarema 101

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.

Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.

Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.

Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.

Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.

Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.

Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0