Mapisarema 56

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.

2Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.

4Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?

5Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.

6Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.

7Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

8Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

9Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.

10Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

11muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?

12Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

13Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0