Mapisarema 92

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,

3nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.

4Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,

7kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.

8Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

9Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;

13wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0