Mapisarema 113

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.

2Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.

3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,

6anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?

7Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.

9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0