Mapisarema 95

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.

3Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.

5Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

7nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

8musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

9pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

10Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”

11Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0