Mapisarema 147

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!

Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.

Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.

Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.

Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.

Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.

Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.

Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema.

Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;

Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.

Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota.

Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?

Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0