Mapisarema 53

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka.

2Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari.

3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here, vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Mwari?

5Havo, vakazadzwa nokutya, ipo pasina chavangatya. Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa; makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

6Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni; Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake; Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Mapisarema

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0