Mapisarema 76
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri.
Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni.
Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera
Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka.
Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake.
Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.
Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?
Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,
haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera
Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.
Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.
Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika.
Mapisarema
- 1
- 2
- 3
- 4
- 5
- 6
- 7
- 8
- 9
- 10
- 11
- 12
- 13
- 14
- 15
- 16
- 17
- 18
- 19
- 20
- 21
- 22
- 23
- 24
- 25
- 26
- 27
- 28
- 29
- 30
- 31
- 32
- 33
- 34
- 35
- 36
- 37
- 38
- 39
- 40
- 41
- 42
- 43
- 44
- 45
- 46
- 47
- 48
- 49
- 50
- 51
- 52
- 53
- 54
- 55
- 56
- 57
- 58
- 59
- 60
- 61
- 62
- 63
- 64
- 65
- 66
- 67
- 68
- 69
- 70
- 71
- 72
- 73
- 74
- 75
- 76
- 77
- 78
- 79
- 80
- 81
- 82
- 83
- 84
- 85
- 86
- 87
- 88
- 89
- 90
- 91
- 92
- 93
- 94
- 95
- 96
- 97
- 98
- 99
- 100
- 101
- 102
- 103
- 104
- 105
- 106
- 107
- 108
- 109
- 110
- 111
- 112
- 113
- 114
- 115
- 116
- 117
- 118
- 119
- 120
- 121
- 122
- 123
- 124
- 125
- 126
- 127
- 128
- 129
- 130
- 131
- 132
- 133
- 134
- 135
- 136
- 137
- 138
- 139
- 140
- 141
- 142
- 143
- 144
- 145
- 146
- 147
- 148
- 149
- 150
Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0