Mapisarema 29

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa. Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni. Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati. Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni. Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi. Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!” Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi. Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Mapisarema

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0