Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMunyengetero NeShoko
Mwari vakapa vanhu vavo nzira mbiri huru dzokudyidzana navo: vanotaura kwatiri muShoko ravo, uye isu tinotaura kwavari mumunyengetero nokurumbidza. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndima idzi dzinobatidza upenyu hwomunyengetero, kunamata, nouchenjeri hunotorwa muMagwaro.
Munyengetero
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,
Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.
Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene.
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
“Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.
Kunamata Nokurumbidza
Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.
Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro.
Shoko raMwari
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.
Uchenjeri Nokunzwisisa
Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.
Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.
Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.