Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutenderana muMunyengetero
Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutenderana muMunyengetero dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.
Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.