Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunyengetera Rugwaro

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunyengetera Rugwaro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 15:7

Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.

02 Mapisarema 119:18

Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.

03 Isaya 55:11

saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.

04 VaKorose 3:16

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

05 VaHebheru 4:12

Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

06 Mapisarema 119:105

Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

07 Mapisarema 119:11

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.

08 2 Timoti 3:16

Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,

09 Joshua 1:8

Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.

10 Mateo 4:4

Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”

11 Johani 8:31-32

Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”

12 Mapisarema 1:2

Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

13 Dhuteronomi 11:18

Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu.

14 VaRoma 10:17

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

15 Mapisarema 19:14

Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Misoro ine chekuita