Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMunyengetero
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neMunyengetero dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
rambai muchinyengetera;
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.
‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’
Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.
Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.
Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”
Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.