Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKureverera

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKureverera dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Timoti 2:1

Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,

02 Jakobho 5:16

Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

03 VaEfeso 6:18

Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

04 VaRoma 8:26

Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.

05 VaKorose 4:2

Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.

06 1 Timoti 2:1-2

Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.

07 Jobho 42:10

Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.

Misoro ine chekuita