Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNyengeterai Musingaperi
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neNyengeterai Musingaperi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
rambai muchinyengetera;
Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita.
Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai