Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZano
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neZano dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.
Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.
Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.
Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.
nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,