Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunzwisisa
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunzwisisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”
“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.
Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.
Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa.
Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.