Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita nePururudzai Nomufaro
Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita nePururudzai Nomufaro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.
Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!
Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.