Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuvonga

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuvonga dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 100:4

Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.

02 Mapisarema 95:2

Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.

03 Mapisarema 118:1

Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

04 VaEfeso 5:20

muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

05 2 VaKorinde 9:15

Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!

06 Mapisarema 136:1

Vongai Jehovha, nokuti akanaka: Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

07 1 VaTesaronika 5:18

vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

08 Mapisarema 107:1

Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

09 VaKorose 3:17

Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

10 VaFiripi 4:6

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.

Misoro ine chekuita