Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunamata muMweya Nechokwadi

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunamata muMweya Nechokwadi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 4:23

Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.

02 Johani 4:24

Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”

03 VaFiripi 3:3

Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,

04 VaRoma 12:1

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

05 Mapisarema 145:18

Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.

06 VaHebheru 10:22

ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.

07 Mapisarema 51:17

Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.

08 1 Samueri 16:7

Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”

09 Mateo 15:8-9

“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

10 Johani 4:21

Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.

11 Mabasa 17:24-25

“Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu.

12 Mapisarema 24:3-4

Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.

Misoro ine chekuita