Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuremekedza

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuremekedza dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 12:28

Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,

02 Zvirevo 9:10

“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

03 Mapisarema 33:8

Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

04 Muparidzi 12:13

Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

05 VaHebheru 12:29

nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”

06 Mapisarema 111:10

Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

07 Isaya 8:13

Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka,

08 Revhitiko 19:30

“ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

09 Maraki 4:2

Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.

10 Dhuteronomi 10:12

Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose,

11 Zvirevo 1:7

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

12 Mapisarema 89:7

Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.

13 1 Petro 1:17

Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.

Misoro ine chekuita