Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuimbira Mwari
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuimbira Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose.
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.
Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,
Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.
Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.
Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.