Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunamata
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunamata dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
“Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.
Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo.
Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.