Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMunhu Haararami Nechingwa Choga
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neMunhu Haararami Nechingwa Choga dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ”
Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.
Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!