Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRugwaro

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neRugwaro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 Timoti 3:16

Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,

02 2 Petro 1:20-21

Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.

03 Mapisarema 19:7

Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.

04 VaRoma 15:4

Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

05 Johani 17:17

Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.

Misoro ine chekuita