Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKufungisisa Shoko
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKufungisisa Shoko dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu.
Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.
Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.
Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.