Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neShoko raMwari
Shoko raMwari ipenyu uye rinoshanda, mwenje wetsoka dzedu nechokudya chakasikirwa mweya yedu. Rinogara nokusingaperi, rinotiita vakachenjera, uye rinotigadzirira basa rose rakanaka. Ndima idzi dzinobatidza rudo rweMagwaro naMwari anotaura.
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.