Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neShoko Rinogara Nokusingaperi

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neShoko Rinogara Nokusingaperi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Isaya 40:8

Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”

02 1 Petro 1:24-25

Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

03 Mateo 24:35

Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

04 Mapisarema 119:89

Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.

05 Mako 13:31

Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

06 Mapisarema 119:152

Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.

07 Ruka 21:33

Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

08 Mapisarema 100:5

Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.

09 Isaya 59:21

“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10 Mapisarema 12:6-7

Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe. Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

Misoro ine chekuita